Ruambamhenyu (Chirungu: biology) kana Unenamhenyu mashoko ari kushandiswa pano kureva denhe reruzivo rinodzidzisa pamusoro pezvinhu zvinorarama zvinosanganisira: mhuka; muchero; hove; shiri; tupuka zvichingodaro. Zita iri rinonongedza kuti chidzidzo ichi chinotaura pamusoro pezvinhu zvinorarama zvine hupenyu - tichiturikira kuChirungu pari kunzi "study of living things". Munhu anoshanda mubazi iri anonzi chiambamhenyu (biologist).
- Mazwi anoti zvisikwa zvinopona kana zvisikwa zvinorarama ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi Living Things or Living Organisms kuChirungu.
Kupiwa kweZita
- Chivakashure ruamba chiri kushandiswa kuturikira chivakamberi -logy chinowanikwa kuChirungu mumazwi anodudza zvidzidzo zvinoti: biology, geology, physiology nezvimwe.
- Chivakamberi cheChirungu chekuti -logy chinoreva "a speaking, discourse, treatise, doctrine, theory, science".
Upangamutowo (taxonomy)
Vambo re shoko
Muruambamhenyu, taxonomy (kubva kuChigiriki τάξις ( taxis) 'kuronga; kupanga', uye -νομία ( -nomia) 'mutowo') ndiko kudzidza kwesainzi kwekutumidza mazita, kutsanangura ( kudzingisa) uye kupatsanura mapoka ezvisikwa zvipenyu zvinoenderana nehunhu hwakagovaniswa.
- Kupangura (arrangement; classification)
- Hupango mu sainzi (scientific classification)
- Mutowo (method)
- Upangamutowo (taxonomy - arrangement method)
Kupiwa kwe zita
Zvichiendererana nepeji re Upangandimo, chivakamberi chekuti -nomy mu Chingezi, chivakashure chinonzi Upanga muChishona.
- Chivakashure nomos chaturikirwa kupanga (to make a law, command, order, arrange, organise, align, to devise).
- Agronomist rinenge roturikirwa kunzi chipangandimo.
Mazwi eBantu
Zvitaridzwa







