factograf
SN

Zvombo zveShomwe

Zvombo zveShomwe

Zvombo zveShomwe (Nuclear Weapons) imhando yebhomba rinoputika richishandisa rupinguro rweshomwe yehatomu, uku kungava kushanduka kwemutowo wekubanzuka kweshomwe (nuclear fission) yehatomu kana kunyenguka kweshomwe (nuclear fusion) yehatomu. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuti zvombo zveusomo. Hondo yeZvombo zveShomwe yakarwiwa kamwe apo United States of America yakadonhedza zvombo zveshomwe pamaguta eHiroshima neNagasaki kuJapan mugore 1945.

Kubvira pakadhuurwa mabhomba kuHiroshima neNagasaki, zvombo zveshomwe zvadhuurwa panhambo dzinodarika zviuru zviviri (2,000) nechinangwa chokuwongorora mashandiro uye kuratidzira ezvombo izvi. Nyika dzine zvombo zveshomwe kana dziri dzinozivikanwa kuti dziri kuzvitsvaga inyika shomane. Nyika dzinozivikanwa kuti dzakadhuura zvombo zveshomwe dzinosanganisira: United States, Soviet Union (Russia ndiyo yakagamuchidzwa zvombo zveshomwe), United Kingdom, France, China, India, Pakistan, neNorth Korea. Kune kufungidzira kuti Israel ine zvombo zveshomwe asi iyo Israel yaibvume kuti ine zvombo izvi. South Africa yakambenge yagadzira zvombo zveshomwe, asi kunonzi panguva yakanga yofa hutongi hwerusaruraganda zvombo izvi zvakagurunurwa, mushure mokunge South Africa yagamuchira Chibvumirano Chekumisa Kutekeshera kweZvombo zveShomwe.


Kurerutsa Mutauro

Izwi rokuti nucleus rakabva pazwi reLatin rokuti nuc rinoreva little nut, kernel or core - apa kuchirehwa chikamu chenzungu chakapfava, chinodyiwa, chisiri mateko. Saka pano kuturikira kernel kuChiShona tinenge toti shomwe kana kuti usomo. Shomwe kana kuti usomo zvinoreva mhodzi dzinowanikwa mukati memateko enzungu kana pakati petsongoro pamichero yakadai sehacha kana pfura - idzi dziri mhodzi dzakapfava uye dziine mafuta.

Zvombo zveBanzura Shomwe

Zvombo zveshomwe zvose zviriko zvinowana simba rekudhuuka kubva parubanzura shomwe.


Zvombo zveRunyengutsa Shomwe

Imwe mhando yezvombo zveshomwe ndeizvo zvinoburitsa simba razvo kubva paRunyengutsa Shomwe.

Read next

In 136 languages

snAfrikaansAlemannischaragonésالعربيةمصرىঅসমীয়াasturianuazərbaycancaتۆرکجهбашҡортсаžemaitėškaбеларуская (тарашкевіца)беларускаябългарскиပအိုဝ်ႏဘာႏသာႏবাংলাbrezhonegbosanskiбуряадcatalàнохчийнکوردیčeštinaчӑвашлаCymraegdanskDeutschZazakiΕλληνικάEnglishEsperantoespañoleestieuskaraفارسیsuomifrançaisfurlanFryskGaeilge贛語kriyòl gwiyannengalegoAvañe'ẽगोंयची कोंकणी / Gõychi KonknniHausaעבריתहिन्दीFiji HindihrvatskimagyarհայերենinterlinguaBahasa IndonesiaIdoíslenskaitaliano日本語PatoisJawaქართულიқазақшаភាសាខ្មែរಕನ್ನಡ한국어kurdîкыргызчаLatinaLëtzebuergeschlombardລາວlietuviųlatviešuMalagasyMinangkabauмакедонскиമലയാളംмонголमराठीBahasa MelayuMaltiမြန်မာဘာသာPlattdüütschनेपालीनेपाल भाषाNederlandsnorsk nynorsknorskDiné bizaadoccitanlivvinkarjalaਪੰਜਾਬੀPälzischpolskiPiemontèisپنجابیپښتوportuguêsRuna Simiromânăрусскийसंस्कृतम्سنڌيsrpskohrvatski / српскохрватскиසිංහලSimple Englishslovenčinaslovenščinashqipсрпски / srpskiSeelterskSundasvenskaKiswahiliதமிழ்తెలుగుтоҷикӣไทยTagalogtoki ponaTürkçeтатарча / tatarçaукраїнськаاردوoʻzbekcha / ўзбекчаTiếng ViệtWinaray吴语მარგალურიייִדיש文言閩南語 / Bân-lâm-gí粵語中文isiZulu

Text from Wikipedia, CC BY-SA 4.0 · Source article