
Tambo (rope in English) chirukwa chigadzirwa neshinda kana waya nhete dzichirukana kuita shinda hobvu. Tambo dzinoshandiswa mabasa akawanda zvikurusei panodiwa kusimba kwadzo.
Tambo dzewaya dzinoshandiswa kutakura chikepe nechikwera pamugodhi.
Bingepinge - tambo ine rwodzi (rope of multiple strands) rwakawanda.
- Kuita motsi, kuwonyana; kumonyana, kufunyana kana kupetana (curl).
- Izwi rokuti koyi (skipping rope) rinotaurwa kuKalanga richireva tambo yekuchirika pakutamba. Rugoyi naMukoyi mazita emhuri.
