factograf
SN

Murongazuva

Murongazuva
Rovha iri paMuronguzuva
Rovha iri paMuronguzuva

Murongazuva kana Mrongazuva (ku Chingezi: Mars; chikwangwani: ) izita reChindeya chiri mumutandiro we mushana wedu, mumuzvacazi re Gwararezhou Murongazuva ndiyo chindeya chechina kubva kuzuva uye ndiro chindeya chipiri chidiki mumutandiro wemushana, ihombe kudarika Nyamatsatse.

Mu Chirungu, Murongazuva inotakura zita remwari wehondo weMaroma, uye inowanzonzi "chindeya chitsvuku". Chizita chayo chekunzi chindeya chitsvuku rakatumidzwa nekuda kweOkisaidhi simbi (metal oxide) yakapararira pameso paMurongazuva, inoipa chitarisiko chitsvuku chakasiyana pakati pemitumbi rekuongorora nyeredzi inoonekwa neziso rakashama.

Murongazuva rineguruva, rinotonhora, uye chindeya cherenje chine mhepo yakatetepa kwazvo. Zvakare raive chindeya chine simba ine mwaka, mapolar ice cap, makhanyoni (canyons), makwatamambwe asisipo, uye humbowo hwekuti yainyanya kushanda munguva yakapfuura. Murongazuva ndiyo imwe yemitumbi yakatsvagwa zvakanyanya muMutandiro weMushana, uye ndiyo yega nyika yatakatumira marhovha (rovers) kutenderera nyika yevatorwa.

Zita

Mashona

Murongazuva ane marevo akasiyana zvichienderana nekuda kwekuti mumwe munhu anokodza sei zita racho. Marevo ezita ari sezvaakanyorwa pazasi:

  • Uye anoronga zuva = 'one who arranges the day' kana kuti; 'the one who arranges the sun'
  • Uye anoronga zuva = 'the one who sets the day' kana kuti; 'the one who sets the sun'

Shoko rekuti 'set' richimira kusarudza maendero ezuva (day kana sun).

Vamwe Vanhu

MuChiarabhu Murongazuva ndi مريخ mirrīkh. Zita iri rinoreva kuti "moto" - inoshandiswa sezita rechindeya muChiperusiya (Persia), (Mareekh) muChiudhu, (Marikh) Muchimalay uye (Mirihi) MuChiswahili.

MuChichayina Murongazuva ndi火星 Huǒxīng. Zvichireva kuti "nyenyedzi yemoto" - zita iri rinoshandiswa muChikoriya, Chijapani neVhietinamisi.

MuIndiya zita reMurongazuva vanoshandisa shoko reChisanskriti rekuti Mangal rakabva kuna mwarikadzi wechiHindu anonzi Mangala. Izita rakareba remadunhurirwa rekuti Murongazuva, ndiro "Chindeya chitsvuku".

MuchiHebheru Murongazuva ndi מאדים ma'adim, shoko rinotorwa kubva ku אדום adom, zvinoreva kuti 'tsvuku'.

MuChiratini chindeya chekare chainzi Māvors (/ ˈmeɪvɔːrz /) chinoonekwa, asi chinonyanya kushomeka. MuChirungu, asi zvipikisheni Mavortial neMavortian zvichireva 'kurwa' muchiuto pane kuita kwechindeya.

Taridziko

Muenzaniso Rinopasi neMurongazuva.
Muenzaniso Rinopasi neMurongazuva.

Murongazuva ingangoita hafu yehupamhi hweRinopasi, ine nzvimbo yepamusoro zvishoma shoma pane iyo yakazara nzvimbo yeRinopasi pakaoma. Murongaziva haina kuenzana kupfuura Rinopasi, iine zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zveRinopasi uye 11% yehuremu hweRinopasi, zvichikonzera inosvika makumi matatu nemasere muzana yepasi pevhu. Kuonekwa kutsvuku-ranjisi kwenzvimbo yeMartian kunokonzerwa neayoni (III) okisaidhi (oxide), kana ngura. Inogona kutaridzika kunge bhataskochi (butterscotch), mamwe mavara epasi anowanikwa anosanganisira Ndarama kana goridhe, mbise, teni (tan), uye karuvara kezerere, zvinoenderana zvicherwa zviripo.

MuchiBantu

Mitauro yeZimbabwe

Chivanhu | Chishona

  • Murongazuva muChishona kana Maasi kubva kuChirungu.

Chisotho | Sesotho

  • Mase ndiro zita raMurongazuva muChisotho kubva kuChirungu.

Chitswana | Setswana

  • Mase ndiro zita raMurongazuva muChitswana semuChisotho kubva kuChirungu.

Chitsonga | Xitsonga

  • Makolotswani ndiro zita raMurongazuva muChitsonga.

Mimwe mitauro yeChiBantu

Chiswahili | Kiswahili

  • Murongazuva muChiswahili ndiMirihi - asi ishoko rinobva kuChiarabhu, kwete muChiBantu.

Chizulu | Isizulu

  • Murongazuva ndiuMarzi muChizulu, kubva kuChirungu.

Read next

In 258 languages

snаԥсшәаAfrikaansAlemannischአማርኛaragonésÆngliscOboloअंगिकाالعربيةالدارجةمصرىঅসমীয়াasturianuаварअवधीazərbaycancaتۆرکجهбашҡортсаBasa BaliBoarischžemaitėškaBikol Centralбеларуская (тарашкевіца)беларускаяBetawiбългарскиभोजपुरीBanjarবাংলাབོད་ཡིགbrezhonegbosanskiBatak Mandailingбуряадcatalà閩東語 / Mìng-dĕ̤ng-ngṳ̄нохчийнCebuanoᏣᎳᎩکوردیcorsuqırımtatarcačeštinakaszëbscziсловѣньскъ / ⰔⰎⰑⰂⰡⰐⰠⰔⰍⰟчӑвашлаCymraegdanskDeutschZazakidolnoserbskiडोटेलीཇོང་ཁΕλληνικάemiliàn e rumagnòlEnglishEsperantoespañoleestieuskaraestremeñuفارسیsuomivõroNa Vosa VakavitiføroysktfrançaisarpetanNordfriiskfurlanFryskGaeilge贛語kriyòl gwiyannenGàidhliggalegoگیلکیAvañe'ẽगोंयची कोंकणी / Gõychi KonknniગુજરાતીGaelgHausa客家語 / Hak-kâ-ngîHawaiʻiעבריתहिन्दीFiji HindihrvatskihornjoserbsceKreyòl ayisyenmagyarհայերենԱրեւմտահայերէնinterlinguaBahasa IndonesiaInterlingueIgboIñupiatunIlokanoгӀалгӀайIdoíslenskaitaliano日本語Patoisla .lojban.JawaქართულიQaraqalpaqshaTaqbaylitKabɩyɛTyapKongoGĩkũyũқазақшаភាសាខ្មែរಕನ್ನಡYerwa Kanuri한국어къарачай-малкъарکٲشُرRipoarischkurdîкомиkernowekкыргызчаLatinaLëtzebuergeschлезгиLingua Franca NovaLimburgsLigureLadinlombardlingálaລາວlietuviųlatviešuMadhurâमगहीмокшеньMalagasyMinangkabauмакедонскиമലയാളംмонголꯃꯤꯇꯩ ꯂꯣꯟဘာသာမန်मराठीBahasa MelayuMaltiMirandésမြန်မာဘာသာэрзяньمازِرونیNāhuatlNapulitanoNedersaksiesPlattdüütschनेपालीनेपाल भाषाLi NihaNederlandsnorsk nynorsknorskNovialߒߞߏNouormandDiné bizaadoccitanlivvinkarjalaOromooଓଡ଼ିଆиронਪੰਜਾਬੀKapampanganPapiamentuNaijápolskiPiemontèisپنجابیNawatپښتوportuguêsRuna Simirumantschromani čhibromânăarmãneashtiрусскийрусиньскыйIkinyarwandaसंस्कृतम्саха тылаᱥᱟᱱᱛᱟᱲᱤsardusicilianuScotsسنڌيdavvisámegiellasrpskohrvatski / српскохрватскиTaclḥitසිංහලSimple EnglishslovenčinaسرائیکیslovenščinaanarâškielâSoomaaligashqipсрпски / srpskiSeelterskSundasvenskaKiswahiliślůnskiதமிழ்ತುಳುతెలుగుтоҷикӣไทยTürkmençeTagalogtolışitoki ponaTürkçeтатарча / tatarçachiTumbukareo tahitiтыва дылудмуртئۇيغۇرچە / Uyghurcheукраїнськаاردوoʻzbekcha / ўзбекчаvènetovepsän kel’Tiếng ViệtWest-VlamsVolapükwalonWinarayWolof吴语хальмгisiXhosaმარგალურიייִדישYorùbáVahcuenghZeêuwsⵜⴰⵎⴰⵣⵉⵖⵜ ⵜⴰⵏⴰⵡⴰⵢⵜ文言閩南語 / Bân-lâm-gí粵語中文isiZulu

Text from Wikipedia, CC BY-SA 4.0 · Source article