factograf
SN
Sign in

Chipembere

Chipembere

Chipembere (Rhinoceros in English) zimhuka zihombe remusango rine nyanga pamhuno nemakumbo makobvu. Rimwe zita rechipembere rinonzi nhema. MuAfrica mune marudzi maviri echipembere; kuchamhembe kweAsia kune matatu.

Nhema imhuka huru inokwanisa kusvika 1 tonne pahuremu; ine ganda gobvu rinopimwa kuita 1.5-5cm pakukora kwaro. Mhuka iyi inodya makwenzi zvikurusei mashizha acho; asi kana pasina mashizha inodyawo zvimwe zvine tseta.

  • Kadyamutowa (Black Rhinoceros) kureva chipembere.

Zvikara

Mumasango chikara chikuru chinouraya chipembere ndiye munhu. Mhuru dzachipembere dzinourayiwa neshumba; mbada; dindingwe uye makarwe; mhumhi nemapere. Chipembere chinonwa mvura kurwizi mazuva ose; izvi ndizvo zvinoita kuti chipembere chasanetsa kubayiwa nemakororo anovhima zvokuba.

Vanoba nyanga dzechipembere vanotengesa kuChina uko kune vanotenda kuti nyanga iyi inorapa fever.

Tsumo

  • Usapedzera mapfumo mukubaya nhema idzo nzou dzichauya. Don't waste spears on stabbing rhinos when elephants (may still) show up.

Mitauro yeBantu

  • VaTonga vanoti cipembele (hippo; hippopotamus) kureva chipembere. Taabwa vanoti kipembele (n. rhinoceros) kureva chipembere.
  • MaZulu vanoti inkulumane (n. White rhinoceros) kureva nhemachena. VaVenda vanoti thema (n. Black Rhinoceros).
  • MaZulu vanoti umkhombe, umkhombo kana umduzu (n. White rhinoceros) vachireva nhemachena.
  • VaGungu vanoti hyoko (n. rhinoceros) kureva chipembere. Nsenga vanoti chipembele (n. rhinoceros) kureva chipembere.

Read next

In 145 languages

snAfrikaansAlemannischአማርኛالعربيةمصرىasturianuаварKotavaazərbaycancaتۆرکجهбашҡортсаBasa BaliBikol Centralбеларуская (тарашкевіца)беларускаябългарскиभोजपुरीবাংলাབོད་ཡིགbrezhonegbosanskicatalà閩東語 / Mìng-dĕ̤ng-ngṳ̄нохчийнCebuanoᏣᎳᎩکوردیčeštinaчӑвашлаCymraegdanskDeutschThuɔŋjäŋΕλληνικάEnglishEsperantoespañoleestieuskaraفارسیsuomivõroføroysktfrançaisarpetanNordfriiskGaeilgeGàidhliggalegoAvañe'ẽעבריתहिन्दीhrvatskiKreyòl ayisyenmagyarհայերենJaku IbanBahasa IndonesiaгӀалгӀайIdoíslenskaitaliano日本語JawaქართულიTaqbaylitKongoқазақшаಕನ್ನಡ한국어کٲشُرkurdîкомиkernowekкыргызчаLatinaлаккуLingua Franca NovaLimburgsLadinlingálalietuviųlatviešuमैथिलीMalagasyмакедонскиമലയാളംमराठीBahasa Melayuမြန်မာဘာသာمازِرونیनेपालीनेपाल भाषाNederlandsnorsk nynorsknorskSesotho sa LeboaDiné bizaadoccitanଓଡ଼ିଆиронਪੰਜਾਬੀpolskiپنجابیportuguêsRuna Simiromânăрусскийсаха тылаScotsسنڌيsrpskohrvatski / српскохрватскиSimple EnglishslovenčinaslovenščinaSoomaaligashqipсрпски / srpskiSesothoSundasvenskaKiswahiliதமிழ்тоҷикӣไทยTagalogTürkçeXitsongaтатарча / tatarçaудмуртукраїнськаاردوoʻzbekcha / ўзбекчаTiếng ViệtWest-VlamsWinaray吴语хальмгייִדישYorùbá閩南語 / Bân-lâm-gí粵語中文isiZulu

Text from Wikipedia, CC BY-SA 4.0 · Source article